29   Garai Neni




[V1]
Garai neni usiku hwasvika,
Tenzi garai neni kune dima,
Vanditiza vamwe vabatsiri,
Mubatsiri wedu, garai neni

[V2]
Upenyu hwachimbidza kuguma,
Kufara kwepasi kunopera,
Zvasakara kwazvo zviro zvese,
Usingasakari, garai neni

[V3]
Ndinomuda Imwi nguva dzese,
Mutsa unokurira muyedzi
Mudonzvo wangu, Mutungamiri,
Mudima, pachena garai neni

[V4]
Imwi muripo, handityi mhandu,
Handine kuremerwa mushungu
Kufa, guva, kukunda kuripi?
Ndinokurira ugere neni

[V5]
Misa muchinjiko ndotandadza,
Penya, undinongedze kudenga,
Kwayedza kwazvo, yabva mibvuri,
Mupenyu, mukufa, garai neni