289   Nditoreyi Ini




[V1]
Jesu Tenzi ndinochema, Ndofa asi m’kabatsira
O unzayi ruponeso, Nditoreyi ini

[C]
Nditoreyi im’! Nditoreyi ini!
Kristu wandifira ini, nditoreyi ini

[V2]
Handinaka rubatsiro, Asi imwi mandifira
Mungandi’te zvamunoda, Nditoreyi ini

[C]
Nditoreyi im’! Nditoreyi ini!
Kristu wandifira ini, nditoreyi ini

[V3]
Hapana zvandagadzira, Zvitsidzo zvangu ndotyora
Asi ndiponeseyiwo, Nditoreyi ini

[C]
Nditoreyi im’! Nditoreyi ini!
Kristu wandifira ini, nditoreyi ini

[V4]
Ndiri pamakumbo enyu, Ndiiteyi sezvamunoda
Pedzisayi basa renyu, Nditoreyi Tenzi

[C]
Nditoreyi im’! Nditoreyi ini!
Kristu wandifira ini, nditoreyi ini

[V5]
Kuti ndibate nesimba, Ndimutsirireyi mwoyo
Ndichaita kuda kwenyu, Nditoreyi Tenzi

[C]
Nditoreyi im’! Nditoreyi ini!
Kristu wandifira ini, nditoreyi ini

[V6]
Kana basa razopera, Hondo yepasi yapera
Ndinozokuchemerayi, Nditoreyi Tenzi

[C]
Nditoreyi im’! Nditoreyi ini!
Kristu wandifira ini, nditoreyi ini